Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 10:39-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

39. Vakapindura vakati, “Tinogona.” Jesu akati, “Muchanwa mukombe wandinonwa uye muchabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo,

40. asi zvokugara kuruoko rwangu rworudyi kana ruboshwe handisini ndinozvipa. Nzvimbo idzi ndedzavaya vakadzigadzirirwa.”

41. Vane gumi vakati vanzwa izvi, vakatsamwa nokuda kwaJakobho naJohani.

42. Jesu akavadana pamwe chete akati, “Munoziva kuti vaya vanonzi vatongi vavaHedheni vanotonga pamusoro pavo, uye vabati vavo vakuru vanoshandisa simba pamusoro pavo.

43. Hazvina kudaro kwamuri. Pachinzvimbo chaizvozvo, ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu,

44. uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yavose.

45. Nokuti kunyange Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira uye nokupa upenyu hwake kuti huve rudzikunuro rwavazhinji.”

46. Ipapo vakasvika kuJeriko. Jesu navadzidzi vake, pamwe chete navanhu vazhinji, vakati vobuda muguta, Bhatimeo, murume akanga ari bofu, (ndiye mwanakomana waTimeo), akanga agere parutivi penzira achikumbira.

47. Paakanzwa kuti akanga ari Jesu weNazareta, akatanga kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”

48. Vazhinji vakamutsiura uye vakamutaurira kuti anyarare, asi akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”

49. Jesu akamira akati, “Mudanei.” Saka vakadana munhu uya bofu vakati, “Tsunga mwoyo! Simuka! Anokudana.”

50. Akarasa jasi rake parutivi, akakwakuka akauya kuna Jesu.

51. Jesu akamubvunza akati, “Unoda kuti ndikuitirei?”Murume uya bofu akati, “Rabhi, ndinoda kuona.”

52. Jesu akati, “Enda hako, kutenda kwako kwakuporesa.” Pakarepo meso ake akasvinudzwa uye akatevera Jesu munzira.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 10