Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 10:30-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. achakonewa kugamuchira zvakawanda kakapetwa kazana munguva ino (misha, vanun'una, hanzvadzi, vanamai, vana neminda, uye pamwe chete naizvozvo, kutambudzika) uye panguva inouya, upenyu husingaperi.

31. Asi vazhinji vanova vokutanga ndivo vachava vokupedzisira, uye vokupedzisira vachava vokutanga.”

32. Vakanga vari munzira vachikwira kuJerusarema, Jesu achivatungamirira nzira, uye vadzidzi vakakatyamara, asi vaya vakanga vachitevera vakanga vachitya. Akatorazve vane gumi navaviri vari voga uye akavaudza zvaizoitika kwaari.

33. Akati, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achapandukirwa agoiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu uye vachamuisa mumaoko avaHedheni,

34. avo vachamuseka uye vagomupfira mate, vachamurova uye vagomuuraya. Shure kwamazuva matatu, achamuka.”

35. Ipapo Jakobho naJohani vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari, vakati, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire zvose zvose zvatinokumbira.”

36. Akavabvunza akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?”

37. Vakapindura vakati, “Titenderei kuti mumwe wedu agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.”

38. Jesu akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona here kunwa mukombe wandinonwa kana kubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo?”

39. Vakapindura vakati, “Tinogona.” Jesu akati, “Muchanwa mukombe wandinonwa uye muchabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo,

40. asi zvokugara kuruoko rwangu rworudyi kana ruboshwe handisini ndinozvipa. Nzvimbo idzi ndedzavaya vakadzigadzirirwa.”

41. Vane gumi vakati vanzwa izvi, vakatsamwa nokuda kwaJakobho naJohani.

42. Jesu akavadana pamwe chete akati, “Munoziva kuti vaya vanonzi vatongi vavaHedheni vanotonga pamusoro pavo, uye vabati vavo vakuru vanoshandisa simba pamusoro pavo.

43. Hazvina kudaro kwamuri. Pachinzvimbo chaizvozvo, ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu,

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 10