Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 10:20-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Iye akati, “Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubvira ndichiri mukomana.”

21. Jesu akamutarira uye akamuda, akati kwaari, “Unoshayiwa chinhu chimwe chete. Enda undotengesa zvinhu zvose zvaunazvo upe kuvarombo, ugova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya, unditevere.”

22. Anzwa izvi akasuwa kwazvo. Akaenda akasuwa, nokuti akanga ane pfuma zhinji.

23. Jesu akatarira-tarira ndokuti kuvadzidzi vake, “Zvakaoma sei kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari!”

24. Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu akatizve, “Vana, zvakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari!

25. Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”

26. Vadzidzi vakanyanya kushamiswa, uye vakati pakati pavo, “Zvino ndianiko angaponeswa?”

27. Jesu akatarisa kwavari akati, “Kumunhu hazvigoneki, asi kwete naMwari; zvinhu zvose zvinogoneka kuna Mwari.”

28. Petro akati kwaari, “Isu takasiya zvinhu zvose kuti tikuteverei!”

29. Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, hakuna munhu akasiya musha, kana vanun'una kana hanzvadzi kana mai kana baba kana vana kana minda nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri

30. achakonewa kugamuchira zvakawanda kakapetwa kazana munguva ino (misha, vanun'una, hanzvadzi, vanamai, vana neminda, uye pamwe chete naizvozvo, kutambudzika) uye panguva inouya, upenyu husingaperi.

31. Asi vazhinji vanova vokutanga ndivo vachava vokupedzisira, uye vokupedzisira vachava vokutanga.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 10