Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 10:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Uye Jesu akabva panzvimbo iyoyo akaenda munyika yeJudhea uye akayambuka mhiri kweJorodhani. Vanhu vazhinji vakauyazve kwaari, uye sezvayakanga iri tsika yake, akavadzidzisa.

2. Vamwe vaFarisi vakauya vakamuedza nokumubvunza vachiti, “Zvinotenderwa here kuti munhu arambe mukadzi wake?”

3. Iye akati, “Mozisi akakurayirai kuti kudiniko?”

4. Ivo vakati, “Mozisi akatendera murume kuti anyore tsamba yokurambana uye agomuendesa.”

5. Jesu akapindura akati, “Nokuti mwoyo yenyu yakanga iri mikukutu, Mozisi akakunyorerai murayiro uyu.

6. Asi kubvira kumavambo okusikwa kwezvinhu, Mwari ‘akavaita murume nomukadzi.’

7. Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba vake namai vake uye agonamatira kumukadzi wake,

8. uye vaviri ava vachava nyama imwe. Saka havachisiri vaviri, asi nyama imwe.

9. Naizvozvo izvo zvabatanidzwa naMwari, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”

10. Vakati vapindazve mumba, vadzidzi vakabvunza Jesu pamusoro paizvozvi.

11. Iye akapindura akati, “Ani naani anoramba mukadzi wake uye akawana mumwe mukadzi, ava kuita upombwe naye.

12. Uye kana iye akarambawo murume wake uye akawanikwa nomumwe murume, anoita upombwe naye.”

13. Vanhu vakanga vachiuya navana vaduku kuna Jesu kuti avabate, asi vadzidzi vakavatsiura.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 10