Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 9:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Varume vaifamba naSauro vakamira vakashaya chokutaura; vakanzwa inzwi asi havana kuona kana munhu.

8. Sauro akasimuka, asi akati achisvinudza meso ake haana kugona kuona chinhu. Saka vakamubata ruoko vakamutungamirira kupinda muDhamasiko.

9. Akava bofu kwamazuva matatu, uye akanga asingadyi kana kunwa kana chinhu.

10. MuDhamasiko makanga muno mudzidzi ainzi Ananiasi. Ishe akati kwaari muchiratidzo, “Ananiasi!”Iye akapindura akati, “Ndiri pano Ishe.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 9