Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 9:40-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

40. Petro akavabudisa vose mumba; ipapo akapfugama namabvi ake akanyengetera. Akatendeukira kumukadzi akanga afa akati, “Tabhita, muka.” Iye akasvinura meso ake, uye akati aona Petro, akamuka akagara.

41. Akamubata noruoko akamubatsira kuti amire netsoka dzake. Ipapo akadana vatendi nechirikadzi ndokubva amupa kwavari ari mupenyu.

42. Izvi zvakazivikanwa muJopa yose, uye vanhu vazhinji vakatenda kuna She.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 9