Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 9:25-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Asi vateveri vake vakamutora usiku vakamuburutsa ari mudengu napakanga pakashama murusvingo.

26. Akati asvika kuJerusarema akaedza kuti abatane navadzidzi, asi vose vakanga vachimutya, vasingatendi kuti akanga ava mudzidzi wechokwadi.

27. Asi Bhanabhasi akamutora akamuuyisa kuvapostori. Akavaudza kuti Sauro akanga aona Ishe sei ari parwendo rwake uye kuti muDhamasiko Ishe akanga ataura kwaari, uyewo kuti akaparidza sei muzita raJesu asingatyi.

28. Saka Sauro akagara navo muJerusarema akasununguka, achitaura muzita raIshe uye akafamba asingatyi.

29. Akataura uye akapikisana navaJudha vaitaura chiGiriki, asi vakaedza kumuuraya.

30. Zvino hama dzakati dzazvinzwa izvi, dzakamutora dzikaburuka naye kuKesaria ndokumuendesa kuTasasi.

31. Ipapo kereke yakava norugare muJudhea mose, nomuGarirea neSamaria. Kereke yakasimbiswa; uye ikakurudzirwa naMweya Mutsvene, ikakura pauwandu, ichirarama mukutya Ishe.

32. Petro paakanga achifamba achipota nenyika, akashanyira vatsvene muRidha.

33. Ikoko, akawana mumwe murume ainzi Eniasi akanga akaoma mutezo uye akanga achigara avete panhoo kwamakore masere.

34. Petro akati kwaari, “Eniasi, Jesu Kristu anokuporesa. Simuka uzviwaririre nhoo dzako.” Pakarepo Eniasi akasimuka.

35. Vose vaigara muRidha nomuSharoni vakamuona vakatendeukira kuna She.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 9