Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 8:31-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. Iye akati, “Ndinganzwisisa seiko kana pasina munhu anonditsanangurira?” Saka akadana Firipi kuti akwire mungoro uye agare nayemo.

32. Muyunaki uyu aiverenga chitsauko ichi choRugwaro:“Akatungamirirwa segwai raindobayiwa,uye segwayana rinyerere pamberi pomuveuri,saka haana kushamisa muromo wake.

33. Mukuninipiswa kwake akashayiwa kururamisirwa.Ndianiko angataura nezvezvizvarwa zvake?Nokuti upenyu hwake hwakabviswa panyika.”

34. Muyunaki uyu akabvunza Firipi akati, “Ndapota, ndiudze, muprofita ari kutaura pamusoro paaniko, anozvireva iye kana mumwe munhuwo?”

35. Ipapo Firipi akatanga nechitsauko ichocho choRugwaro akamuparidzira vhangeri raJesu.

36. Zvavakanga vachifamba nomugwagwa, vakasvika pakanga pane mvura saka muyunaki akati, “Tarirai, heino mvura. Chingandikonesa kubhabhatidzwa chiiko?”

37. Uye Firipi akati, “Kana uchitenda nomwoyo wako wose, zvinogoneka.” Iye akapindura akati, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari.”

38. Akarayira kuti ngoro imiswe. Ipapo vose vari vaviri, Firipi nomuyunaki vakapinda mumvura, Firipi akamubhabhatidza.

39. Vakati vabuda mumvura, Mweya waShe wakatora Firipi pakarepo, uye muyunaki haana kuzomuonazve, asi akafamba munzira yake achifara kwazvo.

40. Zvakadaro hazvo, Firipi akazoonekwa paAzotasi uye akafamba achiparidza vhangeri mumaguta ose kusvikira asvika kuKesaria.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 8