Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 8:28-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. uye pakudzoka kwake kumusha akanga agere mungoro achiverenga bhuku raIsaya muprofita.

29. Mweya Mutsvene akati kuna Firipi, “Enda kungoro iyo, uswedere pedyo nayo.”

30. Ipapo Firipi akamhanya achienda kungoro akanzwa murumwe uya achiverenga kubva kuna Isaya muprofita. Firipi akati kwaari, “Uri kunzwisisa zvauri kuverenga here?”

31. Iye akati, “Ndinganzwisisa seiko kana pasina munhu anonditsanangurira?” Saka akadana Firipi kuti akwire mungoro uye agare nayemo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 8