Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 8:19-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. akati, “Ndipeiwo simba iri kuti munhu wose wandichaisa maoko pamusoro agamuchire Mweya Mutsvene.”

20. Petro akapindura akati, “Mari yako ngaiparare pamwe chete newe, nokuti wakafunga kuti ungatenga chipo chaMwari nemari!

21. Iwe hauna chikamu kana mugove muushumiri uhu, nokuti mwoyo wako hauna kunaka pamberi paMwari.

22. Tendeuka ubve pakuipa uku uye unyengetere kuna She. Zvimwe achakukanganwira pakuva nepfungwa yakadai mumwoyo mako.

23. Nokuti ndinoona kuti iwe uzere nduru inovava uye wakasungwa nechivi.”

24. Ipapo Simoni akapindura akati, “Ndinyengetererei kuna She kuti zvose zvamataura zvirege kuitika kwandiri.”

25. Vakati vapupura nokuparidza shoko raShe, Petro naJohani vakadzokera kuJerusarema, vachiparidza vhangeri mumisha yakawanda yomuSamaria.

26. Zvino mutumwa waShe akati kuna Firipi, “Buruka uende zasi kumugwagwa, wokugwenga, unoburuka uchibva kuJerusarema uchienda kuGaza.”

27. Saka akasimuka, uye ari munzira akasangana nomuyunaki wechiEtiopia, muchinda mukuru aichengeta pfuma yaKandase, mambokadzi weEtiopia. Murume uyu akanga aenda kundonamata kuJerusarema,

28. uye pakudzoka kwake kumusha akanga agere mungoro achiverenga bhuku raIsaya muprofita.

29. Mweya Mutsvene akati kuna Firipi, “Enda kungoro iyo, uswedere pedyo nayo.”

30. Ipapo Firipi akamhanya achienda kungoro akanzwa murumwe uya achiverenga kubva kuna Isaya muprofita. Firipi akati kwaari, “Uri kunzwisisa zvauri kuverenga here?”

31. Iye akati, “Ndinganzwisisa seiko kana pasina munhu anonditsanangurira?” Saka akadana Firipi kuti akwire mungoro uye agare nayemo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 8