Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 8:18-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Simoni akati aona kuti Mweya Mutsvene waipiwa nokuiswa kwamaoko avapostori, akavapa mari

19. akati, “Ndipeiwo simba iri kuti munhu wose wandichaisa maoko pamusoro agamuchire Mweya Mutsvene.”

20. Petro akapindura akati, “Mari yako ngaiparare pamwe chete newe, nokuti wakafunga kuti ungatenga chipo chaMwari nemari!

21. Iwe hauna chikamu kana mugove muushumiri uhu, nokuti mwoyo wako hauna kunaka pamberi paMwari.

22. Tendeuka ubve pakuipa uku uye unyengetere kuna She. Zvimwe achakukanganwira pakuva nepfungwa yakadai mumwoyo mako.

23. Nokuti ndinoona kuti iwe uzere nduru inovava uye wakasungwa nechivi.”

24. Ipapo Simoni akapindura akati, “Ndinyengetererei kuna She kuti zvose zvamataura zvirege kuitika kwandiri.”

25. Vakati vapupura nokuparidza shoko raShe, Petro naJohani vakadzokera kuJerusarema, vachiparidza vhangeri mumisha yakawanda yomuSamaria.

26. Zvino mutumwa waShe akati kuna Firipi, “Buruka uende zasi kumugwagwa, wokugwenga, unoburuka uchibva kuJerusarema uchienda kuGaza.”

27. Saka akasimuka, uye ari munzira akasangana nomuyunaki wechiEtiopia, muchinda mukuru aichengeta pfuma yaKandase, mambokadzi weEtiopia. Murume uyu akanga aenda kundonamata kuJerusarema,

28. uye pakudzoka kwake kumusha akanga agere mungoro achiverenga bhuku raIsaya muprofita.

29. Mweya Mutsvene akati kuna Firipi, “Enda kungoro iyo, uswedere pedyo nayo.”

30. Ipapo Firipi akamhanya achienda kungoro akanzwa murumwe uya achiverenga kubva kuna Isaya muprofita. Firipi akati kwaari, “Uri kunzwisisa zvauri kuverenga here?”

31. Iye akati, “Ndinganzwisisa seiko kana pasina munhu anonditsanangurira?” Saka akadana Firipi kuti akwire mungoro uye agare nayemo.

32. Muyunaki uyu aiverenga chitsauko ichi choRugwaro:“Akatungamirirwa segwai raindobayiwa,uye segwayana rinyerere pamberi pomuveuri,saka haana kushamisa muromo wake.

33. Mukuninipiswa kwake akashayiwa kururamisirwa.Ndianiko angataura nezvezvizvarwa zvake?Nokuti upenyu hwake hwakabviswa panyika.”

34. Muyunaki uyu akabvunza Firipi akati, “Ndapota, ndiudze, muprofita ari kutaura pamusoro paaniko, anozvireva iye kana mumwe munhuwo?”

35. Ipapo Firipi akatanga nechitsauko ichocho choRugwaro akamuparidzira vhangeri raJesu.

36. Zvavakanga vachifamba nomugwagwa, vakasvika pakanga pane mvura saka muyunaki akati, “Tarirai, heino mvura. Chingandikonesa kubhabhatidzwa chiiko?”

37. Uye Firipi akati, “Kana uchitenda nomwoyo wako wose, zvinogoneka.” Iye akapindura akati, “Ndinotenda kuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari.”

38. Akarayira kuti ngoro imiswe. Ipapo vose vari vaviri, Firipi nomuyunaki vakapinda mumvura, Firipi akamubhabhatidza.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 8