Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 8:15-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Vakati vasvika, vakavanyengeterera kuti vagamuchire Mweya Mutsvene,

16. nokuti Mweya Mutsvene akanga asati auya pamusoro paani zvake wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.

17. Ipapo Petro naJohani vakaisa maoko pamusoro pavo, vakagamuchira Mweya Mutsvene.

18. Simoni akati aona kuti Mweya Mutsvene waipiwa nokuiswa kwamaoko avapostori, akavapa mari

19. akati, “Ndipeiwo simba iri kuti munhu wose wandichaisa maoko pamusoro agamuchire Mweya Mutsvene.”

20. Petro akapindura akati, “Mari yako ngaiparare pamwe chete newe, nokuti wakafunga kuti ungatenga chipo chaMwari nemari!

21. Iwe hauna chikamu kana mugove muushumiri uhu, nokuti mwoyo wako hauna kunaka pamberi paMwari.

22. Tendeuka ubve pakuipa uku uye unyengetere kuna She. Zvimwe achakukanganwira pakuva nepfungwa yakadai mumwoyo mako.

23. Nokuti ndinoona kuti iwe uzere nduru inovava uye wakasungwa nechivi.”

24. Ipapo Simoni akapindura akati, “Ndinyengetererei kuna She kuti zvose zvamataura zvirege kuitika kwandiri.”

25. Vakati vapupura nokuparidza shoko raShe, Petro naJohani vakadzokera kuJerusarema, vachiparidza vhangeri mumisha yakawanda yomuSamaria.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 8