Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 8:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Uye Sauro akanga aripo achibvumirana nokufa kwake.Nomusi uyo kutambudzwa kukuru kwakatanga pakereke yapaJerusarema, uye vose vakaparadzirwa muJudhea rose nomuSamaria.

2. Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefani uye vakamuchema zvikuru.

3. Asi Sauro akatanga kuparadza kereke. Achipinda muimba neimba, akazvuzvurudza varume navakadzi achivaisa mutorongo.

4. Vaya vakanga vaparadzirwa vakaparidza shoko kwose kwose kwavaienda.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 8