Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 6:8-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Zvino Sitefani, murume akanga azere nenyasha dzaMwari nesimba, akaita zvishamiso zvikuru nezviratidzo pakati pavanhu.

9. Kusapindirana kwakamuka, kuchibva kunhengo dzeSinagoge roVokusununguka (ndiro raiva zita ravo), vaJudha vokuSairini nokuArekizandiria pamwe chete namatunhu eKirikia neEzhia. Varume ava vakatanga kukakavadzana naSitefani,

10. asi havana kugona kukunda uchenjeri hwake kana Mweya waaitaura nawo.

11. Ipapo vakakurudzira vamwe varume muchivande kuti vati, “Tanzwa Sitefani achitaura mashoko okumhura Mozisi naMwari.”

12. Nokudaro vakamutsa mwoyo yavanhu navakuru uye navadzidzisi vomurayiro. Vakabata Sitefani vakamuuyisa pamberi peDare Guru.

13. Vakabudisa zvapupu zvenhema, zvikati, “Munhu uyu haamboregi kutaura zvakaipa pamusoro penzvimbo tsvene ino uye napamusoro pomurayiro.

14. Nokuti takamunzwa achiti Jesu uyu weNazareta achaparadza nzvimbo ino uye agoshandura tsika dzatakapiwa naMozisi.”

15. Vose vakanga vagere muDare Guru vakatarisisa Sitefani uye vakaona kuti chiso chake chakanga chaita sechiso chomutumwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 6