Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 6:6-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Vakaisa varume ava kuvapostori, ivo vakavanyengeterera vakaisa maoko pamusoro pavo.

7. Saka shoko raMwari rakapararira. Vadzidzi vakawanda kwazvo paJerusarema, uye boka guru ravaprista rakagamuchira kutenda.

8. Zvino Sitefani, murume akanga azere nenyasha dzaMwari nesimba, akaita zvishamiso zvikuru nezviratidzo pakati pavanhu.

9. Kusapindirana kwakamuka, kuchibva kunhengo dzeSinagoge roVokusununguka (ndiro raiva zita ravo), vaJudha vokuSairini nokuArekizandiria pamwe chete namatunhu eKirikia neEzhia. Varume ava vakatanga kukakavadzana naSitefani,

10. asi havana kugona kukunda uchenjeri hwake kana Mweya waaitaura nawo.

11. Ipapo vakakurudzira vamwe varume muchivande kuti vati, “Tanzwa Sitefani achitaura mashoko okumhura Mozisi naMwari.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 6