Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 4:34-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. Pakanga pasina vanoshayiwa pakati pavo. Nokuti nguva nenguva vaya vakanga vane minda kana dzimba vakazvitengesa, vakauyisa mari yezvavakatengesa

35. vakazviisa pamberi pavapostori, uye yakagoverwa kuna ani zvake sokushayiwa kwake.

36. Josefa, muRevhi aibva kuSaipurasi, uyo akatumidzwa navapostori kunzi Bhanabhasi (kureva kuti Mwanakomana woKukurudzira),

37. akatengesa munda wake akauya nemari akaiisa pamberi pavapostori.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 4