Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 4:30-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. Tambanudzai ruoko rwenyu kuti muporese uye muite zviratidzo nezvishamiso kubudikidza nezita raJesu muranda wenyu mutsvene.”

31. Shure kwokunge vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana pairi yakazungunuswa. Uye vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakataura shoko raMwari vasingatyi.

32. Vatendi vose vakanga vano mwoyo mumwe nendangariro imwe. Hakuna aiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake oga, asi vakagovana zvose zvavakanga vanazvo.

33. Vapostori vakaramba vachipupura nesimba kumuka kwaIshe Jesu, uye nyasha huru dzaiva pamusoro pavo.

34. Pakanga pasina vanoshayiwa pakati pavo. Nokuti nguva nenguva vaya vakanga vane minda kana dzimba vakazvitengesa, vakauyisa mari yezvavakatengesa

35. vakazviisa pamberi pavapostori, uye yakagoverwa kuna ani zvake sokushayiwa kwake.

36. Josefa, muRevhi aibva kuSaipurasi, uyo akatumidzwa navapostori kunzi Bhanabhasi (kureva kuti Mwanakomana woKukurudzira),

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 4