Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 4:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Vakabata Petro naJohani, uye nokuda kwokuti aiva manheru, vakavaisa mujeri kusvikira zuva raitevera.

4. Asi vazhinji vakanzwa shoko vakatenda, uye varume vakasvika zviuru zvinenge zvishanu pauwandu.

5. Fume mangwana, vabati, vakuru navadzidzisi vomurayiro vakasangana muJerusarema.

6. Anasi muprista mukuru aivapo, uye Kayafasi Johani, Arekizanda navamwe varume vemhuri yomuprista mukuru vaivapowo.

7. Vakaita kuti Petro naJohani vauyiswe pamberi pavo vakatanga kuvabvunza vachiti, “Makaita izvi nesimba raani kana kuti nezita raani?”

8. Ipapo Petro azere noMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati nemi vakuru vavanhu,

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 4