Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 3:4-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Petro akamutarisisa, Johani akadarowo. Ipapo Petro akati kwaari, “Titarise!”

5. Saka murume akavatarira, achifunga kuti achapiwa chinhu navo.

6. Ipapo Petro akati, “Sirivha negoridhe handina, asi chandinacho ndinokupa. Muzita raJesu Kristu weNazareta, simuka ufambe.”

7. Akamubata noruoko rworudyi, akamubatsira kuti asimuke, pakarepo tsoka dzomurume uyu nezviziso zvetsoka dzake zvikasimba.

8. Akakwakuka, akamira, uye akatanga kufamba. Ipapo akapinda navo mutemberi, achifamba uye achisvetukasvetuka, achirumbidza Mwari.

9. Vanhu vose vakati vachimuona achifamba achirumbidza Mwari,

10. vakamuziva kuti ndiye murume uya aisigara achipemha ari pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye vakakatyamara vakashamiswa kwazvo nezvakanga zvaitika kwaari.

11. Mupemhi akati achakabatirira pana Petro naJohani, vanhu vose vakashamiswa vakauya kwavari vachimhanya kunzvimbo yainzi Biravira raSoromoni.

12. Petro akati aona izvi, akati kwavari, “Imi vaIsraeri, seiko izvi zvichikushamisai? Munotarisireiko kwatiri sokunge taita kuti murume uyu afambe nokuda kwesimba redu kana nokuda kwokururama kwedu?

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 3