Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 3:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Akati aona Petro naJohani voda kupinda, akavakumbira mari.

4. Petro akamutarisisa, Johani akadarowo. Ipapo Petro akati kwaari, “Titarise!”

5. Saka murume akavatarira, achifunga kuti achapiwa chinhu navo.

6. Ipapo Petro akati, “Sirivha negoridhe handina, asi chandinacho ndinokupa. Muzita raJesu Kristu weNazareta, simuka ufambe.”

7. Akamubata noruoko rworudyi, akamubatsira kuti asimuke, pakarepo tsoka dzomurume uyu nezviziso zvetsoka dzake zvikasimba.

8. Akakwakuka, akamira, uye akatanga kufamba. Ipapo akapinda navo mutemberi, achifamba uye achisvetukasvetuka, achirumbidza Mwari.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 3