Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 28:25-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Vakasatenderana pakati pavo ndokubva vatanga kuenda, shure kwokunge Pauro ataura mashoko okupedzisira okuti: “Mweya Mutsvene akataura chokwadi kumadzitateguru enyu paakataura nomuromo waIsaya muprofita achiti:

26. “ ‘Enda kuvanhu ava uti,“Mucharamba muchinzwa asi musingatongonzwisisi;mucharamba muchiona asi musingatongoonesesi.”

27. Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu;havanzwisisi nenzeve dzavo,uye vakatsinzina meso avo.Zvimwe vangaona nameso avo,vanzwe nenzeve dzavo,vanzwisise nemwoyo yavo,vagotendeuka, ndigovaporesa.’

28. “Naizvozvo ndinoda kuti muzive kuti ruponeso rwaMwari rwatumirwa kuvaHedheni, uye ivo vachanzwa!”

29. Shure kwokunge ataura izvi, vaJudha vakabva, vachikakavadzana zvikuru pakati pavo.

30. Pauro akagara ikoko kwamakore maviri ose ari muimba yake yaairipira uye aigamuchira vose vaiuya kuzomuona.

31. Akaparidza zvoumambo hwaMwari asingatyi, asingadziviswi uye akadzidzisa nezvaIshe Jesu Kristu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 28