Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 26:7-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Iyi ndiyo vimbiso yakamirirwa namarudzi edu gumi namaviri kuti isvike sezvavanoshumira Mwari kwazvo masikati nousiku. Imi mambo, vaJudha vari kundipa mhosva nokuda kwetariro iyi.

8. Seiko zvisingatendeseki pakati penyu kuti Mwari anomutsa vakafa?

9. “Neniwo ndakanga ndichigutsikana ndichitoti ndinofanira kuita zvose zvandaigona kuti ndipikise zita raJesu weNazareta.

10. Uye ndizvo chaizvo zvandakaita muJerusarema. Nemvumo yandakanga ndapiwa navaprista vakuru, ndakaisa vazhinji vavatsvene mutorongo, uye pavainge vachiurayiwa, ndaitenderana nazvo.

11. Nguva zhinji ndaibva kune rimwe sinagoge ndichienda kune rimwe ndichiita kuti varangwe, uye ndakaedza kuvamanikidza kuti vamhure Mwari. Noruvengo rwandaiva narwo pamusoro pavo, ndakaenda kunyange kuna mamwe maguta avatorwa kundovatambudza.

12. “Pane imwe yenzendo idzi ndakanga ndichienda kuDhamasiko ndine mvumo uye ndatumwa navaprista vakuru.

13. Nenguva dzinenge dzamasikati, mambo, ndiri mumugwagwa, ndakaona chiedza chakabva kudenga, chaipenya kupfuura zuva, chikavaima chakandipoteredza ini navandaiva navo.

14. Tose takawira pasi, uye ndakanzwa inzwi richiti kwandiri norurumi rwechiHebheru, ‘Sauro, Sauro, unonditambudzireiko? Zvakakuomera iwe kuti ukave zvibayiso.’

15. “Ipapo ndakati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’“Ishe akapindura akati, ‘Ndini Jesu waunotambudza.

16. Zvino chisimuka umire netsoka dzako. Ndazviratidza kwauri kuti ndikugadze somuranda uye sechapupu chezvawaona kwandiri uye nezvandichakuratidza.

17. Ndichakununura kubva kuvanhu vokwako uye kubva kuvaHedheni. Ndiri kukutuma kwavari

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 26