Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 26:5-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Vakandiziva kwenguva refu uye vanogona kupupura, kana vachida zvavo, kuti maererano nedzidziso yakasimba yechitendero chedu, ndakagara ini ndiri muFarisi.

6. Uye zvino ndiri kutongwa pano nhasi nokuda kwetariro yangu mune zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari.

7. Iyi ndiyo vimbiso yakamirirwa namarudzi edu gumi namaviri kuti isvike sezvavanoshumira Mwari kwazvo masikati nousiku. Imi mambo, vaJudha vari kundipa mhosva nokuda kwetariro iyi.

8. Seiko zvisingatendeseki pakati penyu kuti Mwari anomutsa vakafa?

9. “Neniwo ndakanga ndichigutsikana ndichitoti ndinofanira kuita zvose zvandaigona kuti ndipikise zita raJesu weNazareta.

10. Uye ndizvo chaizvo zvandakaita muJerusarema. Nemvumo yandakanga ndapiwa navaprista vakuru, ndakaisa vazhinji vavatsvene mutorongo, uye pavainge vachiurayiwa, ndaitenderana nazvo.

11. Nguva zhinji ndaibva kune rimwe sinagoge ndichienda kune rimwe ndichiita kuti varangwe, uye ndakaedza kuvamanikidza kuti vamhure Mwari. Noruvengo rwandaiva narwo pamusoro pavo, ndakaenda kunyange kuna mamwe maguta avatorwa kundovatambudza.

12. “Pane imwe yenzendo idzi ndakanga ndichienda kuDhamasiko ndine mvumo uye ndatumwa navaprista vakuru.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 26