Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 24:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mazuva mashanu akati apfuura, Ananiasi muprista mukuru akaburuka kuKesarea navamwe vakuru nerimwe gweta rainzi Teturo, vakataura mhosva dzavo pamusoro paPauro pamberi pomubati.

2. Pauro akati adaidzwa kuti apinde, Teturo akasvitsa nyaya yake kuna Ferikisi achiti, “Isu takafadzwa nenguva refu yorugare pasi poutongi hwenyu, uye kuchenjera kwenyu kwakashandura rudzi urwu.

3. Changamire Ferikisi, izvi tinozvigamuchira nomufaro mukuru uye nemitowo yose kwose kwose.

4. Asi kuti tisakunetsaizve, ndinokumbira hangu kuti mutinzwire ngoni mungotinzwa henyu kwenguva duku.

5. “Takaona kuti murume uyu akaipa, anomutsa bope pakati pavaJudha munyika yose. Ndiye mutungamiri weboka ravaNazareta

6. uye akaedza kunyange kushatisa temberi; ndokusaka takamubata.

7. Asi Risiasi mukuru wavarwi akauya akamutakanura mumaoko edu nechisimba.

8. Mukamubvunzisisa imi pachenyu muchakwanisa kuziva chokwadi chemhosva dzatiri kumupomera.”

9. VaJudha vakabvumirana nezvaakanga achipomerwa, vachisimbisa kuti zvinhu izvi zvaiva zvechokwadi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 24