Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 21:9-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Akanga ana vanasikana vana vakanga vasati vawanikwa vaiprofita.

10. Shure kwokugara kwedu ipapo kwamazuva akati kuti, muprofita ainzi Agabhusi akasvika achibva kuJudhea.

11. Asvika kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akabva azvisunga makumbo namaoko ake naro akati, “Mweya Mutsvene anoti, ‘Nenzira imwe chete iyoyi, vaJudha vokuJerusarema vachasunga muridzi webhanhire vagomuisa mumaoko avaHedheni.’ ”

12. Takati tanzwa izvi, isu navanhu voko takakumbirisa Pauro kuti arege kukwira kuJerusarema.

13. Ipapo Pauro akapindura akati, “Seiko muchichema uye muchirwadzisa mwoyo wangu? Ini ndakagadzirira kwete kusungwa kwoga, asi kufawo muJerusarema nokuda kwezita raIshe Jesu.”

14. Paakaramba kudziviswa, isu takamurega tikati, “Kuda kwaShe ngakuitwe.”

15. Shure kwaizvozvo takagadzirira tikaenda kuJerusarema.

16. Vamwe vadzidzi vokuKesaria vakatiperekedza vakatisvitsa kuimba yaMunasoni, uko kwataifanira kundogara. Iye akanga ari murume aibva kuSaipurasi uye ari mumwe wavadzidzi vokutanga.

17. Takati tasvika paJerusarema, hama dzakatigamuchira nomufaro.

18. Zuva rakatevera Pauro uye nesu tose takaenda kundoona Jakobho, uye vakuru vose vaivapo.

19. Pauro akavakwazisa uye akanyatsovarondedzera zvakanga zvaitwa naMwari pakati pavaHedheni kubudikidza noushumuri hwake.

20. Vakati vanzwa izvi, vakarumbidza Mwari. Ipapo vakati kuna Pauro, “Unoona, hama, kune zviuru nezviuru zvavaJudha vakatenda, uye vose zvavo vanoshingairira murayiro.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 21