Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 21:9-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Akanga ana vanasikana vana vakanga vasati vawanikwa vaiprofita.

10. Shure kwokugara kwedu ipapo kwamazuva akati kuti, muprofita ainzi Agabhusi akasvika achibva kuJudhea.

11. Asvika kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akabva azvisunga makumbo namaoko ake naro akati, “Mweya Mutsvene anoti, ‘Nenzira imwe chete iyoyi, vaJudha vokuJerusarema vachasunga muridzi webhanhire vagomuisa mumaoko avaHedheni.’ ”

12. Takati tanzwa izvi, isu navanhu voko takakumbirisa Pauro kuti arege kukwira kuJerusarema.

13. Ipapo Pauro akapindura akati, “Seiko muchichema uye muchirwadzisa mwoyo wangu? Ini ndakagadzirira kwete kusungwa kwoga, asi kufawo muJerusarema nokuda kwezita raIshe Jesu.”

14. Paakaramba kudziviswa, isu takamurega tikati, “Kuda kwaShe ngakuitwe.”

15. Shure kwaizvozvo takagadzirira tikaenda kuJerusarema.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 21