Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 21:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shure kwokuparadzana kwedu navo, takaenda kugungwa tikandokwira chikepe tikananga kuKosi. Zuva rakatevera takaenda kuRhodzi uye tichibva ikoko takaenda kuPatara.

2. Takawana chikepe chaiyambuka chichienda kuFonisia, tikakwira machiri tikaenda.

3. Takati taona Saipurasi takaipfuura nechezasi kwayo, tikaenda kuSiria. Takandoburuka chikepe paTire, paiburutsa chikepe chedu nhumbi dzacho.

4. Takati tawana vadzidzi ipapo, takagara navo kwamazuva manomwe. Vakakumbirisa Pauro kubudikidza noMweya kuti arege kuenda kuJerusarema.

5. Asi nguva yedu yakati yapera, takabvapo tikaenderera mberi norwendo rwedu. Vadzidzi vose pamwe chete navakadzi vavo navana vakatiperekedza vakatisiya tava kunze kweguta, uye pamahombekombe ipapo takapfugama tikanyengetera.

6. Shure kwokuonekana kwedu nomumwe nomumwe wedu, isu takabva taenda kundokwira chikepe, ivo vakadzokera kumusha.

7. Takapfuurira mberi norwendo rwedu tichibva kuTire tikandoburuka chikepe paToremai, patakakwazisana nehama tikagara zuva rimwe chete navo.

8. Zuva rakatevera takabvapo, tikandosvika kuKesaria tikandogara pamba pomuvhangeri Firipi, mumwe wavaya vanomwe.

9. Akanga ana vanasikana vana vakanga vasati vawanikwa vaiprofita.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 21