Akaperekedzwa naSopata mwanakomana waPirasi wokuBheria, navanaAristakusi naSekundo, vaibva kuTesaronika, naGayo wokuDhebhe, naTimotiwo uye Tikiko naTirofimo vaibva mudunhu reEzhia.