Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 20:20-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Munozviziva kuti handina kuzeza kuparidza kana chinhu chaizokubatsirai imi asi ndakakudzidzisai pachena uye muimba neimba.

21. Ndakapupura kuna vose vaJudha navaGiriki kuti vanofanira kudzokera kuna Mwari nokutendeuka vagotenda kuna Ishe Jesu.

22. “Zvino ndamanikidzwa noMweya, ndiri kuenda kuJerusarema, ndisingazivi hangu zvichaitika kwandiri.

23. Chandinongoziva ndechokuti muguta rimwe nerimwe Mweya Mutsvene anondiyambira kuti kusungwa nokutambudzika zvakandirindira.

24. Zvisinei hazvo, ini handioni upenyu hwangu sechinhu chinokosha, dai bedzi ndapedza nhangemutange yangu uye ndapedzisa basa randakapiwa naIshe Jesu, basa rokupupura vhangeri renyasha dzaMwari.

25. “Zvino ndinoziva kuti hakuna pakati penyu imi vandakafamba navo ndichiparidza vhangeri roushe achazondionazve.

26. Naizvozvo ndinotaura kwamuri nhasi kuti handina mhosva yeropa ravanhu vose.

27. Nokuti handina kuzeza kukuparidirai kuda kwose kwaMwari.

28. Zvichenjererei imi pachenyu neboka rose ramakaitwa vatariri varo naMweya Mutsvene. Fudzai kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake pachake.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 20