Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 2:8-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Zvino seiko mumwe nomumwe wedu achivanzwa nomutauro waakaberekwa nawo?

9. VaPatio, vaMedhia navaEramu; navanogara Mesopotamia, Judhea neKapadhokia, Pondasi neEzhia,

10. Firigia nePamufiria, Ijipiti namativi eRibhia pedyo neKureni; vaeni vanobva kuRoma

11. (zvose vaJudha navakatendeukira kuchiJudha); vaKirete navaArabhu, tinovanzwa vachitaura zvishamiso zvaMwari nendimi dzedu chaidzo!”

12. Vakakatyamara uye vakakanganisika, vakabvunzana vachiti, “Zvinoreveiko izvi?”

13. Kunyange zvakadaro, vamwe vakavaseka vakati, “Vanwa waini yakawanda.”

14. Ipapo Petro akamira pamwe chete navane gumi nomumwe, akadanidzira, kuvanhu vazhinji achiti, “Hama imi vaJudha nemi mose mugere muJerusarema, regai ndikutsanangurirei chinhu ichi; nyatsoteererai mashoko angu.

15. Vanhu ava havana kudhakwa sezvamunofungidzira zvaichiri nguva yepfumbamwe mangwanani kudai!

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 2