Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 2:34-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi iye akati:“ ‘Ishe akati kuna She wangu:“Gara kuruoko rwangu rworudyi

35. kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.”’

36. “Naizvozvo vaIsraeri vose ngavazive izvi: Jesu uyu, wamakaroverera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.”

37. Vanhu vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo vakati kuna Petro navamwe vapostori, “Hama, tichaiteiko?”

38. Petro akapindura akati, “Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene.

39. Chipikirwa ndechenyu navana venyu navose vari kure, navose vachazodanwa naShe Mwari wedu.”

40. Akavayambira namamwe mashoko mazhinji; uye akavakumbirisa achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakaora.”

41. Avo vakagamuchira shoko rake vakabhabhatidzwa, uye pazuva iro, vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa pauwandu hwavo.

42. Vakazvipira pakudzidzisa kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengetera.

43. Vanhu vose vakabatwa nokutya, uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navapostori.

44. Vatendi vose vaiva pamwe chete uye vakagoverana zvinhu zvose.

45. Vachitengesa zvavaiva nazvo nenhumbi dzavo, vakazvipa kuna ani naani aishayiwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 2