Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 2:16-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Kwete, izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Joere achiti,

17. “ ‘Mumazuva okupedzisira,’ ndizvo zvinotaura Mwari,‘ndichadurura Mweya wangu pamusoro pavanhu vose.Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita,majaya enyu achaona zviratidzo,vatana venyu vacharota hope.

18. Kunyange napamusoro pavaranda vangu,zvose varume navakadzi,ndichadurura Mweya wangu mumazuva iwayo, uye vachaprofita.

19. Ndicharatidza zvishamiso kudenga kumusoro,nezviratidzo panyika pasi,ropa nomoto uye mhute youtsi.

20. Zuva richashanduka rikava rima,uye mwedzi uchashanduka ukava ropa,zuva guru raShe uye rinobwinya risati rasvika.

21. Uye ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.’

22. “Imi vaIsraeri, teererai izvi: Jesu weNazareta akanga ari murume akaratidzwa kwamuri naMwari namabasa esimba, nezvishamiso uye nezviratidzo, zvakaitwa naMwari pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunoziva imi pachenyu.

23. Murume uyu akaiswa mumaoko enyu nourongwa uye nokuziva zviri mberi kwaMwari; uye imi, mukamuroverera pamuchinjikwa muchibatsirwa navanhu vakaipa.

24. Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akamusunungura kubva pakurwadza kworufu, nokuti zvakanga zvisingagoni kuti rufu rumubate.

25. Dhavhidhi akataura nezvake achiti:“ ‘Ndakaona Ishe mberi kwangu nguva dzose.Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi,handingatongozungunuswi.

26. Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runofarisisa;uyezve muviri wangu uchararama netariro,

27. nokuti imi hamuzondisiyi muguva,uye hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.

28. Makandizivisa nzira dzoupenyu;muchandizadza nomufaro pamberi penyu.’

29. “Hama, ndingakuudzai ndiine chokwadi kuti tateguru wedu Dhavhidhi akafa akavigwa, uye guva rake richiri pano kusvikira nhasi.

30. Asi akanga ari muprofita uye aiziva kuti Mwari akanga amuvimbisa nemhiko kuti aizogadza mumwe wezvizvarwa zvake pachigaro choushe.

31. Achiona zviri mberi, akataura nezvokumuka kwaKristu, kuti akanga asina kusiyiwa muguva, uye muviri wake hauna kuona kuora.

32. Mwari akamutsa Jesu uyu kubva kuvakafa, uye isu tose tiri zvapupu zvacho.

33. Akasimudzirwa kuruoko rworudyi rwaMwari, akagamuchira kubva kuna Baba chipikirwa choMweya Mutsvene uye akadurura izvi zvamuri kuona nokunzwa iye zvino.

34. Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi iye akati:“ ‘Ishe akati kuna She wangu:“Gara kuruoko rwangu rworudyi

35. kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.”’

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 2