Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 2:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zuva rePendekosti rakati rasvika, vakanga vakaungana vose panzvimbo imwe chete.

2. Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga uye kukazadza imba yose yavakanga vagere.

3. Vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto dzakaparadzana uye dzikamhara pamusoro pomumwe nomumwe wavo.

4. Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene uye vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya.

5. Zvino muJerusarema maigara vaJudha vaitya Mwari vaibva kundudzi dzose pasi pedenga.

6. Vakati vanzwa mutinhiro uyu, vazhinji vakaungana pamwe chete vachishamiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa vachitaura norurumi rwake chairwo.

7. Vakashamiswa kwazvo, vakabvunzana vachiti, “Ko, vanhu ava vose havasi vaGarirea here vari kutaura?

8. Zvino seiko mumwe nomumwe wedu achivanzwa nomutauro waakaberekwa nawo?

9. VaPatio, vaMedhia navaEramu; navanogara Mesopotamia, Judhea neKapadhokia, Pondasi neEzhia,

10. Firigia nePamufiria, Ijipiti namativi eRibhia pedyo neKureni; vaeni vanobva kuRoma

11. (zvose vaJudha navakatendeukira kuchiJudha); vaKirete navaArabhu, tinovanzwa vachitaura zvishamiso zvaMwari nendimi dzedu chaidzo!”

12. Vakakatyamara uye vakakanganisika, vakabvunzana vachiti, “Zvinoreveiko izvi?”

13. Kunyange zvakadaro, vamwe vakavaseka vakati, “Vanwa waini yakawanda.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 2