Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 19:21-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Shure kwokunge zvose izvi zvaitika, Pauro akafunga zvokuenda kuJerusarema achipfuura nokuMasedhonia, nokuAkaya achiti, “Kana ndambosvika ikoko, ndinofanira kushanyirawo Roma.”

22. Akatuma vabatsiri vake vaviri, Timoti naErastasi, kuMasedhonia, iye achimbosara munyika yeEzhia kwechinguva.

23. Nenguva yakaita saiyoyo bope guru rakamuka pamusoro peNzira iyi.

24. Mumwe mupfuri wesirivha ainzi Dhemetiri akanga achigadzira zvitemberi zvesirivha zvaAritemisi, zvakanga zvichipfumisa zvikuru mhizha dzavo.

25. Akavaunganidza vose, pamwe chete navabati vaishanda mabasa akadaro, akati kwavari, “Varume, imi munoziva kuti takanga tichiwana pfuma yakanaka nebasa iri.

26. Zvino munozvionawo nokuzvinzwira kuti murume uyu Pauro akaendesa nokutsausa vanhu vazhinji muno muEfeso, uye zviri pachena kuti nomunyika yose yeEzhia zvayo, anoti vamwari vakaitwa navanhu havazi vamwari chaivo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 19