Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 18:18-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Pauro akaramba ari muKorinde kwamazuva mazhinji. Ipapo akabva pahama ndokuenda nechikepe kuSiria, achiperekedzwa naPirisira naAkwira. Asati akwira chikepe, akaveura bvudzi rake paKenikireya nokuda kwemhiko yaakanga aita.

19. Vakasvika paEfeso, Pauro akasiya Pirisira naAkwira ipapo. Iye pachake akapinda musinagoge akataurirana navaJudha.

20. Vakati vamukumbira kuti agare navo nguva refu, iye akaramba.

21. Asi paakabva, akavimbisa achiti, “Ndichadzokazve kana Mwari achida.” Ipapo akakwira chikepe kubva kuEfeso.

22. Akati aburuka paKesarea, akakwira akandokwazisa kereke ipapo ndokubva aburuka oenda kuAndioki.

23. Shure kwokunge ambogara muAndioki kwechinguva, Pauro akabvapo akaenda achishanya munzvimbo nenzvimbo, akapinda nomumatunhu eGaratia neFirigia, achisimbisa vadzidzi vose.

24. Zvichakadaro, mumwe muJudha ainzi Aporosi, chizvarwa cheArekizandiria, akasvika kuEfeso. Akanga ari murume akadzidza, aino ruzivo rwaMagwaro chaizvo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 18