Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 18:15-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Asi sezvo ichingova mibvunzo pamusoro pamashoko namazita uye nezvomurayiro wenyu, gadzirisanai pachenyu. Ini handidi kutonga nyaya dzakadai.”

16. Saka akaita kuti vadzingwe kubva mudare remhosva.

17. Ipapo vose vakatendeukira kuna Sosteni mukuru wesinagoge vakamurova pamberi pedare. Asi Gario haana kumbova nehanya nazvo.

18. Pauro akaramba ari muKorinde kwamazuva mazhinji. Ipapo akabva pahama ndokuenda nechikepe kuSiria, achiperekedzwa naPirisira naAkwira. Asati akwira chikepe, akaveura bvudzi rake paKenikireya nokuda kwemhiko yaakanga aita.

19. Vakasvika paEfeso, Pauro akasiya Pirisira naAkwira ipapo. Iye pachake akapinda musinagoge akataurirana navaJudha.

20. Vakati vamukumbira kuti agare navo nguva refu, iye akaramba.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 18