Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 15:32-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. Judhasi naSirasi avo vakanga vari vaprofita, vakataura zvakawanda zvokukurudzira nokusimbisa hama.

33. Shure kwokunge vambogara kwechinguva ikoko, vakaperekedzwa nehama namaropafadzo orugare kuti vachidzokera havo kuna avo vakanga vavatuma.

34. Kunyange zvakadaro, Sirasi akasarudza kusarapo.

35. Asi Pauro naBhanabhasi vakasara muAndioki, uko ivo navamwe vazhinji vakadzidzisa nokuparidza shoko raShe.

36. Mushure mechinguva Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Ngatimbodzokera timbondoshanyira hama kuna mamwe maguta atakaparidza shoko raShe tinoona kuti vakadii zvavo.”

37. Bhanabhasi akanga achida kutora Johani, ainziwo Mako, kuti vaende pamwe chete naye,

38. asi Pauro haana kuona zvakanaka kuti vaende naye, nokuti akanga ambovasiya paPamufiria uye haana kuramba ainavo pabasa.

39. Vakava nokupesana kukuru zvokuti vakaparadzana. Bhanabhasi akatora Mako akakwira chikepe vakaenda kuSaipurasi,

40. asi Pauro akasarudza Sirasi akaenda akakumikidzwa kunyasha dzaShe nehama.

41. Akapinda nomuSiria nokuSirisia, achisimbisa makereke.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 15