Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 15:16-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. “ ‘Shure kwaizvozvo ndichadzoka ndigozovakazve tende yaDhavhidhi yakawa.Ndichavakazve matongo ayo,uye ndichaivandudzazve,

17. kuti vakasara vavanhu vatsvake Ishe,uye navaHedheni vose vanodanwa nezita rangu,ndizvo zvinotaura Ishe, anoita zvinhu izvi,’

18. zvakangova zvazivikanwa kubva kare.

19. “Naizvozvo, kufunga kwangu ini ndinoti hatifaniri kuomesera vaHedheni ava vari kutendeukira kuna Mwari.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 15