Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 15:10-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Naizvozvo zvino, munodireiko kuedza Mwari nokuisa pamitsipa yavadzidzi joko risina kugona kutakurwa nesu kana madzibaba edu?

11. Kwete! Isu tinotenda kuti takaponeswa kubudikidza nenyasha dzaShe wedu Jesu sezvavakangoitwawo.”

12. Sangano rose rakanyarara pavakanga vakateerera kuna Bhanabhasi naPauro vachirondedzera pamusoro pezviratidzo nezvishamiso zvakanga zvaitwa naMwari pakati pavaHedheni kubudikidza navo.

13. Vakati vapedza, Jakobho akapindura achiti. “Hama dzangu, nditeererei.

14. Simoni arondedzera kwatiri kuti pakutanga Mwari akaratidza nyasha dzake sei paakazvitorera vanhu vake kubva kuvaHedheni.

15. Mashoko avaprofita anotenderana naizvozvi, sezvazvakanyorwa zvichinzi:

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 15