Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 15:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vamwe varume vakauya vachibva kuJudhea vakaenda kuAndioki, uye vakanga vachidzidzisa hama vachiti: “Kunze kwokunge madzingiswa, maererano netsika yakadzidziswa naMozisi, hamungaponeswi.”

2. Izvi zvakasvitsa Pauro naBhanabhasi pakupesana kukuru uye nokukakavadzana navo. Saka Pauro naBhanabhasi vakasarudzwa kuti vaende kuJerusarema pamwe chete navamwe vatendi, kuti vandoona vapostori navakuru pamusoro peshoko iri.

3. Kereke yakavatuma parwendo rwavo, uye pavakafamba vachipinda nomuFonisia nomuSamaria, vakarondedzera kuti vaHedheni vainge vachitendeuka sei. Shoko iri rakafadza hama dzose zvikuru.

4. Vakati vasvika kuJerusarema, vakagamuchirwa nekereke navapostori uye navakuru, vakarondedzera kwavari zvinhu zvose zvakanga zvaitwa naMwari kubudikidza navo.

5. Ipapo vamwe vatendi vakanga vari vebato ravaFarisi vakasimuka vakati, “VaHedheni ava vanofanira kudzingiswa uye vanosungirwa kuti vateerere murayiro waMozisi.”

6. Vapostori navakuru vakasangana kuti vaongorore nyaya iyi.

7. Shure kwehurukuro huru, Petro akasimuka akati, “Hama dzangu, munoziva imi kuti nguva dzakare Mwari akandisarudza pakati penyu kuti vaHedheni vanzwe shoko revhangeri rinobva pamiromo yangu vagotenda.

8. Mwari, iye anoziva mwoyo yavanhu akaratidza kuti anovagamuchira nokuvapa Mweya Mutsvene, sezvaakangoitawo kwatiri.

9. Haana kuisa mutsauko pakati pedu navo, nokuti akanatsa mwoyo yavo nokutenda.

10. Naizvozvo zvino, munodireiko kuedza Mwari nokuisa pamitsipa yavadzidzi joko risina kugona kutakurwa nesu kana madzibaba edu?

11. Kwete! Isu tinotenda kuti takaponeswa kubudikidza nenyasha dzaShe wedu Jesu sezvavakangoitwawo.”

12. Sangano rose rakanyarara pavakanga vakateerera kuna Bhanabhasi naPauro vachirondedzera pamusoro pezviratidzo nezvishamiso zvakanga zvaitwa naMwari pakati pavaHedheni kubudikidza navo.

13. Vakati vapedza, Jakobho akapindura achiti. “Hama dzangu, nditeererei.

14. Simoni arondedzera kwatiri kuti pakutanga Mwari akaratidza nyasha dzake sei paakazvitorera vanhu vake kubva kuvaHedheni.

15. Mashoko avaprofita anotenderana naizvozvi, sezvazvakanyorwa zvichinzi:

16. “ ‘Shure kwaizvozvo ndichadzoka ndigozovakazve tende yaDhavhidhi yakawa.Ndichavakazve matongo ayo,uye ndichaivandudzazve,

17. kuti vakasara vavanhu vatsvake Ishe,uye navaHedheni vose vanodanwa nezita rangu,ndizvo zvinotaura Ishe, anoita zvinhu izvi,’

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 15