Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 14:7-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. uko kwavakaramba vachiparidza vhangeri.

8. MuRistira maigara mumwe murume akanga ari mhetamakumbo, akanga ari chirema kubva pakuberekwa kwake uye akanga asina kumbofamba.

9. Akateerera Pauro paakanga achitaura. Pauro akamutarisisa, akaona kuti akanga ano kutenda kuti angaporeswa

10. akadanidzira akati, “Simuka netsoka dzako!” Ipapo, murume akakwakuka akatanga kufamba.

11. Vazhinji vakati vaona zvakanga zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwechiRikonia vachiti, “Vamwari vaburuka kwatiri muchimiro chavanhu!”

12. Bhanabhasi vakamutumidza kuti Zeusi, uye Pauro vakamutumidza kuti Herimesi nokuti ndiye aiva mutauri mukuru.

13. Muprista waZeusi aiva netemberi yake yakanga iri kunze kweguta, akauya nehando namaruva kumasuo eguta nokuti iye navanhu vazhinji vaida kupa zvibayiro kwavari.

14. Asi vapostori, Bhanabhasi naPauro vakati vazvinzwa, vakabvarura nguo dzavo vakamhanyira mukati moruzhinji, vakadanidzira vachiti,

15. “Varume, munoitireiko izvi? Isuwo tiri vanhu semi, vanhuwo zvavo semi. Tinokuparidzirai mashoko akanaka, tichikuudzai kuti mubve pazvinhu izvi zvisina maturo mudzokere kuna Mwari mupenyu, akaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvose zviri mukati mazvo.

16. Panguva dzakapfuura, akarega hake ndudzi dzose dzichifamba nenzira dzadzo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 14