Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 14:21-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Vakaparidza mashoko akanaka muguta iroro vakawana vadzidzi vazhinji kwazvo. Ipapo vakadzokera kuRistira, Ikoniamu nokuAndioki,

22. vachisimbisa vadzidzi nokuvakurudzira kuti varambe vari pakutenda. Vakati, “Tinofanira kutambudzika kuti tipinde muumambo hwaMwari.”

23. Pauro naBhanabhasi vakagadza vatungamiri mukereke imwe neimwe uye nokunyengetera nokutsanya, vakavakumikidza kuna She, uyo wavaivimba naye.

24. Shure kwokupinda kwavo nomuPisidhia, vakasvika muPamufiria,

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 14