Ipapo vamwe vaJudha vaibva kuAndioki nokuIkoniamu vakauya vakasvikopindura mwoyo yavanhu vazhinji ava. Vakataka Pauro ndokumuzvuzvurudzira kunze kweguta, vachifunga kuti afa.