Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 14:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. PaIkoniamu Pauro naBhanabhasi vakasvikopinda musinagoge ravaJudha sezvavaisiita nguva dzose. Imomo vakataura zvinobata mwoyo kwazvo zvokuti vaJudha vazhinji navaHedheni vakatenda.

2. Asi vaJudha vakaramba kutenda vakamutsa mwoyo yavaHedheni uye vakavakanganisa pfungwa dzavo kuti vavenge hama.

3. Saka Pauro naBhanabhasi vakapedza nguva refu varipo, vachitaura zvaIshe vasingatyi, iye akasimbisa shoko renyasha dzake nokuvagonesa kuita zviratidzo nezvishamiso.

4. Vanhu vomuguta vakapesana; vamwe vakatsigira vaJudha, vamwewo vakatsigira vapostori.

5. VaHedheni navaJudha, pamwe chete navatungamiri vavo vakanga vakarangana kuvaitira zvakaipa nokuvataka namabwe.

6. Asi vakazviziva vakabva vatizira kuRistira neDhebhe maguta avaRikonia nokunyika dzose dzakapoteredza,

7. uko kwavakaramba vachiparidza vhangeri.

8. MuRistira maigara mumwe murume akanga ari mhetamakumbo, akanga ari chirema kubva pakuberekwa kwake uye akanga asina kumbofamba.

9. Akateerera Pauro paakanga achitaura. Pauro akamutarisisa, akaona kuti akanga ano kutenda kuti angaporeswa

10. akadanidzira akati, “Simuka netsoka dzako!” Ipapo, murume akakwakuka akatanga kufamba.

11. Vazhinji vakati vaona zvakanga zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwechiRikonia vachiti, “Vamwari vaburuka kwatiri muchimiro chavanhu!”

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 14