Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 13:50-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

50. Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vaitya Mwari uye vaikudzikana navarume vairemekedzwa veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi kutambudzwa, uye vakavadzinga mudunhu ravo.

51. Saka vakazunza guruva patsoka dzavo vachiratidza kusafara pamusoro pavo ndokubva vaenda kuIkoniamu.

52. Uye vadzidzi vakazadzwa nomufaro uye noMweya Mutsvene.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 13