Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 13:47-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

47. Nokuti izvi ndizvo zvakarayirwa kwatiri naShe achiti:“ ‘Ndakakuitai chiedza kuvaHedheni,kuti muvigire migumo yenyika ruponeso.’ ”

48. VaHedheni vakati vanzwa izvozvo, vakafara uye vakakudza shoko raShe; uye vose vakanga vakatarirwa upenyu husingaperi vakatenda.

49. Shoko raShe rakapararira mudunhu rose.

50. Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vaitya Mwari uye vaikudzikana navarume vairemekedzwa veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi kutambudzwa, uye vakavadzinga mudunhu ravo.

51. Saka vakazunza guruva patsoka dzavo vachiratidza kusafara pamusoro pavo ndokubva vaenda kuIkoniamu.

52. Uye vadzidzi vakazadzwa nomufaro uye noMweya Mutsvene.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 13