Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 13:37-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

37. Asi uyo akamutswa naMwari haana kuona kuora.

38. “Naizvozvo, hama dzangu, ndinoda kuti muzive kuti kubudikidza naJesu, kukanganwirwa kwezvivi kunoparidzwa kwamuri.

39. Kubudikidza naye munhu wose anotenda anoruramiswa pazvinhu zvose zvamanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMozisi.

40. Chenjerai kuti zvakataurwa navaprofita zvirege kuitika kwamuri, zvinoti:

41. “ ‘Tarirai imi vaseki,mushamiswe uye muparare,nokuti ndiri kuzoita chimwe chinhu pamazuva enyu chamusingazombotendi,kunyange dai mumwe munhu akakuudzai.’ ”

42. Pauro naBhanabhasi vava kubuda musinagoge, vanhu vakavakoka kuti vazotaurazve pamusoro pezvinhu izvi paSabata raizotevera.

43. Ungano yakati yapararira, vazhinji vavaJudha navamwe vakanga vatendeukira kuchiJudha vakatevera Pauro naBhanabhasi, ivo vakataura navo uye vakavakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari.

44. PaSabata rakatevera rinenge guta rose rakaungana kuzonzwa shoko raShe.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 13