Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 11:14-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Iye achakuvigirai shoko richaponesa iwe neveimba yako vose.’

15. “Pandakatanga kutaura, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo samauyiro aakaita kwatiri pakutanga.

16. Ipapo ndakarangarira zvakanga zvarehwa naShe achiti, ‘Johani akabhabhatidza nemvura, asi imi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.’

17. Saka kana Mwari akavapa chipo chimwe chetecho chaakatipa isu, vakatenda muna Ishe Jesu Kristu, ko, ini ndaigova ani zvangu kuti ndipikisane naMwari?”

18. Vakati vanzwa izvozvo, vakashayiwa zvimwe zvokureva uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Saka zvino Mwari akapawo vahedheni kutendeuka kunotungamirira kuupenyu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 11