Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 10:7-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Mutumwa waakanga achitaura naye akati aenda, Koniriasi akadana varanda vake vaviri nomumwe murwi akatendeka uyo aiva mumwe wavachengeti vake.

8. Akavarondedzera zvose zvakanga zvaitika ndokuvatuma kuJopa.

9. Nenguva dzinenge dzamasikati dzezuva raitevera, vachiri parwendo rwavo, uye voswedera pedyo neguta, Petro akakwira pamusoro pedenga reimba kundonyengetera.

10. Akanzwa nzara uye akada zvokudya, uye zvokudya zvakati zvichigadzirwa, akaona chiratidzo.

11. Akaona denga razarurwa uye chimwe chinhu chakanga chakaita sejira guru chichiburutswa pasi chakasungwa makona acho mana.

12. Chakanga chine mhando dzose dzemhuka dzina makumbo mana, pamwe chete nezvinokambaira zvenyika, neshiri dzedenga.

13. Ipapo inzwi rakati kwaari, “Simuka, Petro. Baya udye.”

14. Petro akapindura akati, “Zvirokwazvo kwete, Ishe! Handina kutongodya chinhu chisina kunaka kana chine tsvina.”

15. Inzwi rakataurazve kwaari kechipiri richiti, “Usati chinhu chipi zvacho chakanatswa naMwari chine tsvina.”

16. Izvi zvakaitika katatu, pakarepo jira rikadzoserwa kudenga.

17. Petro achiri kushamiswa nezvaireva chiratidzo, varume vakanga vatumwa naKoniriasi vakawana pakanga pane imba yaSimoni uye vakamira pasuo.

18. Vakadanidzira vachibvunza kana pakanga pari ipo paigara Simoni ainziwo Petro.

19. Petro achiri kufunga pamusoro pechiratidzo, Mweya akati kwaari, “Simoni, pana varume vatatu vari kukutsvaka.

20. Saka simuka uburuke uende pasi. Usatya kuenda navo, nokuti ndini ndavatuma.”

21. Petro akaburuka akandoti kuvarume ava, “Ndini wamuri kutsvaka. Mavingeiko?”

22. Varume vaya vakamupindura vakati, “Tabva kuna Koniriasi mukuru wezana. Munhu akarurama uye anotya Mwari, anokudzwa navanhu vose vechiJudha. Mutumwa mutsvene akamuudza kuti akudanei kuti muuye kumba kwake kuti azonzwa zvamuchareva kwaari.”

23. Ipapo Petro akakoka varume ava kuti vapinde mumba vave vaeni vake.Fume mangwana Petro akasimuka pamwe chete navo, uye dzimwe hama dzokuJopa dzakaendawo naye.

24. Akasvika kuKesaria zuva rakatevera. Koniriasi akanga akavamirira uye akanga akoka hama dzake neshamwari dzapedyo.

25. Petro akati apinda mumba, Koniriasi akamuchingamidza uye akawira patsoka dzake achimuremekedza.

26. Asi Petro akaita kuti asimuke akati, “Simuka, ndinongova munhuwo zvangu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 10