Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 10:40-48 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

40. asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa nezuva retatu akaita kuti aonekwe.

41. Haana kuonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakanga zvagara zvasarudzwa naMwari nesu takadya uye tikanwa naye shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa.

42. Akatirayira kuti tiparidze kuvanhu uye tipupure kuti ndiye akagadzwa naMwari kuti ave mutongi wavapenyu navakafa.

43. Vaprofita vose vanopupura nezvake kuti ani naani anotenda kwaari anogamuchira kanganwiro yezvivi kubudikidza nezita rake.”

44. Petro achiri kutaura mashoko aya, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavose vakanzwa shoko.

45. Vatendi vakadzingiswa vakanga vauya naPetro vakakatyamara nokuti chipo choMweya Mutsvene chakanga chadururirwa kunyange napavahedheniwo.

46. Nokuti vakavanzwa vachitaura nendimi vachirumbidza Mwari.Ipapo Petro akati,

47. “Pano munhu angadzivisa vanhu ava kuti vabhabhatidzwe nemvura here? Vagamuchira Mweya Mutsvene sezvatakangoitawo isu.”

48. Naizvozvo akarayira kuti vabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo vakakumbira Petro kuti ambogara navo kwamazuva mashoma.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 10